Philippians 4

Pauro anovaraira nekuvasimbisa

1Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi. 2Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe. 3Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.

4Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai. 5Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo. 6Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari, 7zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

8Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi; 9nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.

Pauro anovonga pamusoro pechipo chavakamutumira

10Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana. 11Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri. 12Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa. 13Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa. 14Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu. 15Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega; 16nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu. 17Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu. 18Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari. 19Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu. 20Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.

21Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. 22Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.

23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen.

Copyright information for Shona